Psalms 131

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,
meso angu haana manyawi;
handina hanya nezvinhu zvikuru
kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.
2Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu;
somwana akarumurwa namai vake,
somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.

3Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha,
kubva zvino nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC